1
Mateu 26:41
Shona BIBLE
SUB
Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”
Харьцуулах
Mateu 26:41 г судлах
2
Mateu 26:38
Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.”
Mateu 26:38 г судлах
3
Mateu 26:39
Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Mateu 26:39 г судлах
4
Mateu 26:28
“Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.”
Mateu 26:28 г судлах
5
Mateu 26:26
Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.”
Mateu 26:26 г судлах
6
Mateu 26:27
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.”
Mateu 26:27 г судлах
7
Mateu 26:40
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete?
Mateu 26:40 г судлах
8
Mateu 26:29
Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.”
Mateu 26:29 г судлах
9
Mateu 26:75
Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
Mateu 26:75 г судлах
10
Mateu 26:46
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
Mateu 26:46 г судлах
11
Mateu 26:52
Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.
Mateu 26:52 г судлах