1
Mateu 23:11
Shona BIBLE
SUB
Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu.
Харьцуулах
Mateu 23:11 г судлах
2
Mateu 23:12
Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa.
Mateu 23:12 г судлах
3
Mateu 23:23
“Mune nhamo, imi vanyori naVaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurairo, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
Mateu 23:23 г судлах
4
Mateu 23:25
“Mune nhamo, imi vanyori naVaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora.
Mateu 23:25 г судлах
5
Mateu 23:37
“Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!
Mateu 23:37 г судлах
6
Mateu 23:28
Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
Mateu 23:28 г судлах