1
Genesi 22:14
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha-jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.”
താരതമ്യം
Genesi 22:14 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
2
Genesi 22:2
Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
Genesi 22:2 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
3
Genesi 22:12
Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.”
Genesi 22:12 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
4
Genesi 22:8
Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri.
Genesi 22:8 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
5
Genesi 22:17-18
ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera izwi rangu.’ ”
Genesi 22:17-18 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
6
Genesi 22:1
Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, “Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Genesi 22:1 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
7
Genesi 22:11
Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Genesi 22:11 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
8
Genesi 22:15-16
Ipapo mutumwa waJehovha wakadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete
Genesi 22:15-16 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
9
Genesi 22:9
Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni.
Genesi 22:9 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
ആദ്യത്തെ സ്ക്രീൻ
വേദപുസ്തകം
പദ്ധതികൾ
വീഡിയോകൾ