1
Genesisi 11:6-7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
Спореди
Истражи Genesisi 11:6-7
2
Genesisi 11:4
Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
Истражи Genesisi 11:4
3
Genesisi 11:9
Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
Истражи Genesisi 11:9
4
Genesisi 11:1
Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
Истражи Genesisi 11:1
5
Genesisi 11:5
Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.
Истражи Genesisi 11:5
6
Genesisi 11:8
Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.
Истражи Genesisi 11:8