1
Ekisodho 23:25-26
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere.
Спореди
Истражи Ekisodho 23:25-26
2
Ekisodho 23:20
“Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai.
Истражи Ekisodho 23:20
3
Ekisodho 23:22
Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai.
Истражи Ekisodho 23:22
4
Ekisodho 23:2-3
“Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, uye usatsaura munhu murombo uchienda kudivi rake pamhaka yake.
Истражи Ekisodho 23:2-3
5
Ekisodho 23:1
“Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa.
Истражи Ekisodho 23:1