VaHebheru 5:12-13

VaHebheru 5:12-13 SUB

Nokuti, kunyangwe maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu. Nokuti mumwe nomumwe anodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.