2 VaTesaronika 1
1
Kwaziso
1Pauro, naSirivhano, naTimoti, kuchechi yaVaTesaronika muna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu.
Pauro anovonga nokuti vanomira nesimba
3Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; 4nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pachechi dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
5Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa noushe hwaMwari hwamunotambudzikirawo; 6zvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; 7nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, 8mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yaIshe wedu, Jesu; 9ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paIshe, napakubwinya kwesimba rake, 10kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda; 12kuti zita raIshe wedu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.
Šiuo metu pasirinkta:
2 VaTesaronika 1: SUB
Paryškinti
Kopijuoti
Palyginti
Dalintis
Norite, kad paryškinimai būtų įrašyti visuose jūsų įrenginiuose? Prisijunkite arba registruokitės
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

: