Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuwo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurairo.