1
Mavambo 11:6-7
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.”
Bandingkan
Telusuri Mavambo 11:6-7
2
Mavambo 11:4
Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.”
Telusuri Mavambo 11:4
3
Mavambo 11:9
Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose.
Telusuri Mavambo 11:9
4
Mavambo 11:1
Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo.
Telusuri Mavambo 11:1
5
Mavambo 11:5
Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu.
Telusuri Mavambo 11:5
6
Mavambo 11:8
Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya.
Telusuri Mavambo 11:8
Beranda
Alkitab
Rencana
Video