1
Ruka 5:4
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.”
Konpare
Eksplore Ruka 5:4
2
Ruka 5:5-6
Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka.
Eksplore Ruka 5:5-6
3
Ruka 5:16
Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata.
Eksplore Ruka 5:16
4
Ruka 5:32
Handina kuuya kuzodaidza vakarurama kwete, asi vatadzi kuti vapinduke.”
Eksplore Ruka 5:32
5
Ruka 5:8
Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.”
Eksplore Ruka 5:8
6
Ruka 5:31
Jesu akavapindura achiti, “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara.
Eksplore Ruka 5:31
7
Ruka 5:11
Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera.
Eksplore Ruka 5:11
8
Ruka 5:12-13
Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera.
Eksplore Ruka 5:12-13
9
Ruka 5:15
Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo.
Eksplore Ruka 5:15