YouVersion Logo
Search Icon

VaKorose 1

1
1Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, 2kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose:
Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi.
Kuvonga noKunyengetera
3Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, 4nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, 5kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri 6rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. 7Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, 8uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya.
9Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. 10Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, 11muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo 12muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. 13Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, 14watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.
Ukuru hwaKristu
15Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. 16Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. 17Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. 18Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. 19Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, 20uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa.
21Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa. 22Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa 23kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.
Kushandira Kereke kwaPauro
24Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. 25Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, 26chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. 27Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
28Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu. 29Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.

Currently Selected:

VaKorose 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy