YouVersion Logo
Search Icon

1 VaKorinde 1

1
1Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu, 2kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:
3Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.
Kuvonga
4Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu. 5Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose, 6nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri. 7Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu. 8Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. 9Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.
Kupesana muKereke
10Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga. 11Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu. 12Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.”
13Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo, 15kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu. 16Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu. 17Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.
Kristu ndiye Uchenjeri neSimba raMwari
18Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;
ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
20Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? 21Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. 22VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, 23asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. 24Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. 25Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
26Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo. 27Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. 28Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, 29kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake. 30Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu. 31Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”

Currently Selected:

1 VaKorinde 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy