YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 7

7
Isakari
1Vanakomana vaIsakari vaiva:
Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.
2Vanakomana vaTora vaiva:
Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
3Mwanakomana waUzi aiva:
Izirahia.
Vanakomana vaIzirahia vaiva:
Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe. 4Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
5Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.
Bhenjamini
6Vanakomana vaBhenjamini vatatu vaiva:
Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.
7Vanakomana vaBhera vaiva:
Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vose vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.
8Vanakomana vaBhekeri vaiva:
Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri. 9Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.
10Mwanakomana waJedhiaeri
ainzi Bhirihani.
Vanakomana vaBhirihani vaiva:
Jehushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari. 11Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.
12VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.
Nafutari
13Vanakomana vaNafutari vaiva:
Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.
Manase
14Zvizvarwa zvaManase zvaiva:
Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi. 15Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete. 16Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Mununʼuna wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.
17Mwanakomana waUramu
ainzi Bhedhani.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.
18Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.
19Vanakomana vaShimidha vaiva:
Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.
Efuremu
20Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva:
Shutera, Bheredhi mwanakomana wake,
Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake,
Tahati mwanakomana wake, 21Zabhadhi mwanakomana wake
naShutera mwanakomana wake.
(Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburukira kundopamba zvipfuwo zvavo. 22Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza. 23Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko. 24Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.)
25Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake,
Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,
26Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake,
Erishama mwanakomana wake, 27Nuni mwanakomana wake
naJoshua mwanakomana wake.
28Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro. 29Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.
Asheri
30Vanakomana vaAsheri vaiva:
Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.
31Vanakomana vaBheria vaiva:
Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.
32Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.
33Vanakomana vaJafireti vaiva:
Pasaki, Bhimari naAshivhati.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.
34Vanakomana vaShomeri vaiva:
Ahi, Roga, Hubhai naAramu.
35Vanakomana vomununʼuna wake Heremu vaiva:
Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.
36Vanakomana vaZofa vaiva:
Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira, 37Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.
38Vanakomana vaJeteri vaiva:
Jefune, Pisipa naAra.
39Vanakomana vaUra vaiva:
Ara, Hanieri, naRizia.
40Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri, vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.

Currently Selected:

1 Makoronike 7: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy