YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 6

6
Revhi
1Vanakomana vaRevhi vaiva
Gerishoni, Kohati naMerari.
2Vanakomana vaKohati vaiva:
Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
3Vana vaAmiramu vaiva:
Aroni, Mozisi naMiriamu.
Vanakomana vaAroni vaiva:
Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.
4Ereazari aiva baba vaFinehasi,
Finehasi baba vaAbhishua,
5Abhishua baba vaBhuki,
Bhuki baba vaUzi,
6Uzi baba vaZerahia,
Zerahia baba vaMerayoti,
7Merayoti baba vaAmaria,
Amaria baba vaAhitubhi,
8Ahitubhi baba vaZadhoki,
Zadhoki baba vaAhimaazi,
9Ahimaazi baba vaAzaria,
Azaria baba vaJohanani,
10Johanani baba vaAzaria.
(Ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema.)
11Azaria baba vaAmaria,
Amaria baba vaAhitubhi.
12Ahitubhi baba vaZadhoki,
Zadhoki baba vaSharumi,
13Sharumi baba vaHirikia,
Hirikia baba vaAzaria,
14Azaria baba vaSeraya
uye Seraya baba vaJehozadhaki.
15(Jehozadhaki akadzingwa Jehovha paakaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.)
16Vanakomana vaRevhi vaiva:
Gerishoni, Kohati naMerari.
17Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni:
Ribhini naShimei.
18Vanakomana vaKohati vaiva:
Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
19Vanakomana vaMerari vaiva:
Mairi naMushi.
Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:
20VaGerishoni:
Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake
naZima mwanakomana wake, 21Joa mwanakomana wake
Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake
naJeaterai mwanakomana wake.
22Zvizvarwa zvaKohati zvaiva:
Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake,
Asiri mwanakomana wake, 23Erikana mwanakomana wake,
naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,
24naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake,
Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.
25Zvizvarwa zvaErikana zvaiva:
Amasai, Ahimoti,
26Erikana mwanakomana wake, Zofai mwanakomana wake,
naNahati mwanakomana wake, 27naEriabhi mwanakomana wake,
Jerohamu mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake,
naSamueri mwanakomana wake,
28Vanakomana vaSamueri vaiva:
Joere dangwe rake
naAbhija mwanakomana wake wechipiri.
29Zvizvarwa zvaMerari zvaiva:
Mari, Ribhini mwanakomana wake,
Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,
30Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake
naAsaya mwanakomana wake.
Vaimbi vomuTemberi
31Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo. 32Vaishumira uye vaiimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.
33Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo:
kubva kuvaKohati:
Hemani muimbi,
mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,
34mwanakomana waErikana,
mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,
35mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana,
mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,
36mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere,
mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania,
37mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri,
mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora,
38mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati,
mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.
39Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake:
Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea,
40mwanakomana waMikaeri,
mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia, 41mwanakomana waEtini,
mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,
42mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima,
mwanakomana waShimei, 43mwanakomana waJahati,
mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;
44uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva:
Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi,
mwanakomana waMaruki, 45mwanakomana waHashabhia,
mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,
46mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani,
mwanakomana waShemeri, 47mwanakomana waMari,
mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari,
mwanakomana waRevhi.
48Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari. 49Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuhwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.
50Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni:
Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake,
Abhishua mwanakomana wake 51Bhuki mwanakomana wake,
Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,
52Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake,
Ahitubhi mwanakomana wake, 53Zadhoki mwanakomana wake
naAhimaazi mwanakomana wake.
54Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).
55Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza. 56Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. 57Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa, 58Hireni, Dhebhiri, 59Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.
60Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo.
Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.
61Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.
62Zvizvarwa zvaGerishoni mhuri nemhuri zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.
63Zvizvarwa zvaMerari, mhuri nemhuri zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.
64Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.
65Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBhenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.
66Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.
67Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri, 68neJokimeami, neBheti Horoni, 69Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.
70Uye kubva kuhafu yorudzi rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.
71VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera:
Kubva kuimba yehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo;
72kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati, 73Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;
74kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni, 75Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;
76uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKiriataimi pamwe chete namafuro awo.
77VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera:
Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;
78kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza, 79Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;
80uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi, 81Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.

Currently Selected:

1 Makoronike 6: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy