Mariko Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Shoko Rakanaka raMariko: Chinangwa chikuru chezvidzidziso zvaJesu chaiva chokufundisa vanhu nezvoumambo hwaMwari (1:14–15). Nokudaro bhuku raMariko, rinobva ratanga nokutitaurira nezveShoko Rakanaka raJesu, Mwanakomana waMwari (1:1) akauya soMwanakomana womunhu, kwete kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe kuti anunure vazhinji (10:45).
Mubhuku iri tinoona Jesu achidzidzisa, nemienzaniso, zvoumambo hwaMwari. Aidzidzisa izvi kwete namazwi akawanda, asi nechiremera nesimba raaitaura naro. Airatidza simba iri mukudzidzisa kwake, nezvishamiso zvaaiita zvakashamisa nokunanisa vanhu vazhinji kwazvo uye nokudzinga kwaaiita mweya yakaipa. Mariko anotungamidza mabasa aiitwa naJesu akamusvitsa pakufa nokumuka kwake zvakanunura vazhinji. Mukudzika umambo hwaMwari, Jesu akanga ane mhandu zhinji dzinoti Satani (1:13) nenyanzvi dzomutemo (2:26) kwouya vaFarisei (2:24) nevebato revekwaHerodhi (3:6) kwoti vapristi vakuru (11:18) navaSadhusei (12:18). Mushure mokumuka kwake, Jesu asati akwira kudenga, akatuma vadzidzi vake kuti vandoita basa raakanga achiita rokudzika umambo hwaMwari panyika. Vakanzi vaende kundodzidzisa vanhu vapasi pose vanenge vadavira muna Mwari vakaombekwa vachaponeswa.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMariko
I: Zvakaitika Jesu asati atangisa basa rake (1:1–13)
II: Kuparidza kwaJesu mudunhu reGarirea (1:14—7:23)
III: Basa raJesu rokuparidza kunze kweGarirea (7:24—10:52)
IV: Kuparidza kwaJesu muJerusaremu (11:1—13:37)
V: Dambudziko norufu nokumuka kwaJesu (14:1—16:20)
Právě zvoleno:
Mariko Zviri mubhuku rino: SCLB
Zvýraznění
Sdílet
Kopírovat

Chceš mít své zvýrazněné verše uložené na všech zařízeních? Zaregistruj se nebo se přihlas
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: