Ekisodho 32:7-8
Ekisodho 32:7-8 SNA2002
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”


