1
Varoma 7:25
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
Porovnat
Zkoumat Varoma 7:25
2
Varoma 7:18
Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita
Zkoumat Varoma 7:18
3
Varoma 7:19
nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita.
Zkoumat Varoma 7:19
4
Varoma 7:20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya.
Zkoumat Varoma 7:20
5
Varoma 7:21-22
Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari.
Zkoumat Varoma 7:21-22
6
Varoma 7:16
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka.
Zkoumat Varoma 7:16
Domů
Bible
Plány
Videa