1
Johani 11:25-26
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?”
Porovnat
Zkoumat Johani 11:25-26
2
Johani 11:40
Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.”
Zkoumat Johani 11:40
3
Johani 11:35
Jesu akachema.
Zkoumat Johani 11:35
4
Johani 11:4
Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.”
Zkoumat Johani 11:4
5
Johani 11:43-44
Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”
Zkoumat Johani 11:43-44
6
Johani 11:38
Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.”
Zkoumat Johani 11:38
7
Johani 11:11
Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.”
Zkoumat Johani 11:11
Domů
Bible
Plány
Videa