1
Mavambo 32:28
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.”
Porovnat
Zkoumat Mavambo 32:28
2
Mavambo 32:26
Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
Zkoumat Mavambo 32:26
3
Mavambo 32:24
Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda.
Zkoumat Mavambo 32:24
4
Mavambo 32:30
Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!”
Zkoumat Mavambo 32:30
5
Mavambo 32:25
Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka.
Zkoumat Mavambo 32:25
6
Mavambo 32:27
Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!”
Zkoumat Mavambo 32:27
7
Mavambo 32:29
Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo.
Zkoumat Mavambo 32:29
8
Mavambo 32:10
Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri.
Zkoumat Mavambo 32:10
9
Mavambo 32:32
Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.
Zkoumat Mavambo 32:32
10
Mavambo 32:9
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’
Zkoumat Mavambo 32:9
11
Mavambo 32:11
Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana.
Zkoumat Mavambo 32:11
Domů
Bible
Plány
Videa