1
Mavambo 24:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Akanamata achiti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu, vatenzi vangu, nzwirai tsitsi vatenzi vangu Abhurahamu, mundibatsire ndiwane zvandafambira.
Porovnat
Zkoumat Mavambo 24:12
2
Mavambo 24:14
Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.”
Zkoumat Mavambo 24:14
3
Mavambo 24:67
Isaki akaunza Ribheka mutendhe rakanga riri raSara amai vake. Akatora Ribheka akava mukadzi wake. Isaki akamuda. Saka ndiko kunyaradzwa kwaakaitwa mushure mokufa kwaamai vake Sara.
Zkoumat Mavambo 24:67
4
Mavambo 24:60
Vakakomborera Ribheka vachiti, “Dai iwe mwana wedu ukava amai vamazana akazanirana avanhu! Zvizvarwa zvako ngazvikurire maguta avavengi vazvo.”
Zkoumat Mavambo 24:60
5
Mavambo 24:3-4
ugopika naTenzi, Mwari wedenga napasi, kuti hauzotorera mwanakomana wangu mukadzi pavasikana veKanani vandigere navo asi kuti uchazoenda kunyika kwangu, kune hama dzangu, kundotsvakira mwana wangu, Isaki, mukadzi ikoko.”
Zkoumat Mavambo 24:3-4
Domů
Bible
Plány
Videa