1
Kubuda 13:21-22
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku. Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku.
Porovnat
Zkoumat Kubuda 13:21-22
2
Kubuda 13:17
Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.”
Zkoumat Kubuda 13:17
3
Kubuda 13:18
Saka Mwari akavatungamirira vakaenda nenzira inopoterera inoenda nokurenje yakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsiraeri vakabuda muIjipiti vakapakata zvombo zvavo zvehondo.
Zkoumat Kubuda 13:18
Domů
Bible
Plány
Videa