Mateu 15:25-27

Mateu 15:25-27 SNA2002

Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.” Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”