1
VaRoma 4:20-21
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
Compara
Explorar VaRoma 4:20-21
2
VaRoma 4:17
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo.
Explorar VaRoma 4:17
3
VaRoma 4:25
Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.
Explorar VaRoma 4:25
4
VaRoma 4:18
Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”
Explorar VaRoma 4:18
5
VaRoma 4:16
Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose.
Explorar VaRoma 4:16
6
VaRoma 4:7-8
“Vakaropafadzwa avo vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo. Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”
Explorar VaRoma 4:7-8
7
VaRoma 4:3
Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.”
Explorar VaRoma 4:3