1
VaRoma 2:3-4
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
Compara
Explorar VaRoma 2:3-4
2
VaRoma 2:1
Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo.
Explorar VaRoma 2:1
3
VaRoma 2:11
Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.
Explorar VaRoma 2:11
4
VaRoma 2:13
Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.
Explorar VaRoma 2:13
5
VaRoma 2:6
Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”
Explorar VaRoma 2:6
6
VaRoma 2:8
Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.
Explorar VaRoma 2:8
7
VaRoma 2:5
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama.
Explorar VaRoma 2:5