1
Johani 6:35
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Compara
Explorar Johani 6:35
2
Johani 6:63
Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
Explorar Johani 6:63
3
Johani 6:27
Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
Explorar Johani 6:27
4
Johani 6:40
Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”
Explorar Johani 6:40
5
Johani 6:29
Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Explorar Johani 6:29
6
Johani 6:37
Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
Explorar Johani 6:37
7
Johani 6:68
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
Explorar Johani 6:68
8
Johani 6:51
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Explorar Johani 6:51
9
Johani 6:44
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
Explorar Johani 6:44
10
Johani 6:33
Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
Explorar Johani 6:33
11
Johani 6:48
Ndini chingwa choupenyu.
Explorar Johani 6:48
12
Johani 6:11-12
Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”
Explorar Johani 6:11-12
13
Johani 6:19-20
Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”
Explorar Johani 6:19-20