1
Johani 13:34-35
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
Compara
Explorar Johani 13:34-35
2
Johani 13:14-15
Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.
Explorar Johani 13:14-15
3
Johani 13:7
Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
Explorar Johani 13:7
4
Johani 13:16
Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
Explorar Johani 13:16
5
Johani 13:17
Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
Explorar Johani 13:17
6
Johani 13:4-5
saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
Explorar Johani 13:4-5