1
Mabasa 2:38
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
Compara
Explorar Mabasa 2:38
2
Mabasa 2:42
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Explorar Mabasa 2:42
3
Mabasa 2:4
Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
Explorar Mabasa 2:4
4
Mabasa 2:2-4
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
Explorar Mabasa 2:2-4
5
Mabasa 2:46-47
Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
Explorar Mabasa 2:46-47
6
Mabasa 2:17
“ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
Explorar Mabasa 2:17
7
Mabasa 2:44-45
Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
Explorar Mabasa 2:44-45
8
Mabasa 2:21
Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
Explorar Mabasa 2:21
9
Mabasa 2:20
Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
Explorar Mabasa 2:20