1
1 VaTesaronika 4:17
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.
Compara
Explorar 1 VaTesaronika 4:17
2
1 VaTesaronika 4:16
Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
Explorar 1 VaTesaronika 4:16
3
1 VaTesaronika 4:3-4
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa
Explorar 1 VaTesaronika 4:3-4
4
1 VaTesaronika 4:14
Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.
Explorar 1 VaTesaronika 4:14
5
1 VaTesaronika 4:11
Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai
Explorar 1 VaTesaronika 4:11
6
1 VaTesaronika 4:7
Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.
Explorar 1 VaTesaronika 4:7