1
1 Johani 3:18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
Compara
Explorar 1 Johani 3:18
2
1 Johani 3:16
Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.
Explorar 1 Johani 3:16
3
1 Johani 3:1
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Explorar 1 Johani 3:1
4
1 Johani 3:8
Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.
Explorar 1 Johani 3:8
5
1 Johani 3:9
Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.
Explorar 1 Johani 3:9
6
1 Johani 3:17
Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
Explorar 1 Johani 3:17
7
1 Johani 3:24
Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
Explorar 1 Johani 3:24
8
1 Johani 3:10
Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
Explorar 1 Johani 3:10
9
1 Johani 3:11
Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.
Explorar 1 Johani 3:11
10
1 Johani 3:13
Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
Explorar 1 Johani 3:13