1
Johani 15:5
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita.
Compara
Explorar Johani 15:5
2
Johani 15:4
Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri.
Explorar Johani 15:4
3
Johani 15:7
Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa.
Explorar Johani 15:7
4
Johani 15:16
Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.
Explorar Johani 15:16
5
Johani 15:13
Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake.
Explorar Johani 15:13
6
Johani 15:2
Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa. Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero, vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda.
Explorar Johani 15:2
7
Johani 15:12
“Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita.
Explorar Johani 15:12
8
Johani 15:8
Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu.
Explorar Johani 15:8
9
Johani 15:1
“Ini ndini mugirepisi wechokwadi Baba vangu ndivo murimi.
Explorar Johani 15:1
10
Johani 15:6
Kana munhu asingagari mandiri akaita sebazi rakadimburwa, rinouna. Mapazi akadai anounganidzwa okandwa mumoto opiswa.
Explorar Johani 15:6
11
Johani 15:11
Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare.
Explorar Johani 15:11
12
Johani 15:10
Kana mukachengeta mitemo yangu, mucharamba muri murudo neni sokuchengetawo kwandakaita mitemo yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo.
Explorar Johani 15:10
13
Johani 15:17
Mutemo wandinokutemerai ndouyu wokuti, idanai.
Explorar Johani 15:17
14
Johani 15:19
Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai.
Explorar Johani 15:19