1
Zvakazarurwa 7:9
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo
Compara
Explorar Zvakazarurwa 7:9
2
Zvakazarurwa 7:10
vakadanidzira nezwi guru, vachiti, “Ruponeso ngaruve kuna Mwari anogara pachigaro choushe, nokuGwayana.”
Explorar Zvakazarurwa 7:10
3
Zvakazarurwa 7:17
nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari achapisika misodzi yose kumeso avo.
Explorar Zvakazarurwa 7:17
4
Zvakazarurwa 7:15-16
Naizvozvo vari pamberi pechigaro choushe chaMwari, vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; iye, anogara pachigaro choushe, achavadzitira netabhenakeri. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa
Explorar Zvakazarurwa 7:15-16
5
Zvakazarurwa 7:3-4
achiti, “Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Explorar Zvakazarurwa 7:3-4