1
Maraki 3:10
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mawindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
Compara
Explorar Maraki 3:10
2
Maraki 3:11-12
Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Explorar Maraki 3:11-12
3
Maraki 3:17-18
Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira. Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri.
Explorar Maraki 3:17-18
4
Maraki 3:1
“Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Explorar Maraki 3:1