1
Mako 2:17
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Karşılaştır
Mako 2:17 keşfedin
2
Mako 2:5
Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
Mako 2:5 keşfedin
3
Mako 2:27
Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.
Mako 2:27 keşfedin
4
Mako 2:4
Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.
Mako 2:4 keşfedin
5
Mako 2:10-11
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”
Mako 2:10-11 keşfedin
6
Mako 2:9
Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’?
Mako 2:9 keşfedin
7
Mako 2:12
Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
Mako 2:12 keşfedin