Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu

21 Day Fast

ZUVA 21 REMAZUVA 21

Zvisinei nekuti uripapi iyezvino, shuvira kusvika pakadzika kudarika pauri. Usatye kuti chii chichanyorova. Usamire panzvimbo yekuti makumbo ako anenge ari pasi pako. Bvuma kutsvairwa nemvura. Chii chawakabatirira pachiri? Chii chinokudzosa kumasure mukurarama hupenyu hwunotungamirirwa neMweya mukutenda? Ungave uri kuzvinyengera kuti unotungamira hupenyu hwako wega? Pinda nazvo zvese. Namata nhasi kuti kutsanya uku kuve kutanga kwehukama hwakadzika naMwari. Namatira kuti anoramba achikudeedza kuti unyatsopinda uye uchimubvumira kuti atungamire zvese zvine chekuita nehupenyu hwako.

Zvinechekuita neHurongwa uhu

21 Day Fast

Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.

More

We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.

Zvirongwa zvakada kufanana neichi