Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 2:25-29 - Compare All Versions

VaRoma 2:25-29 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa. Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here? Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro. Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete. Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 BDSC

VaRoma 2:25-29 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurayiro; asi kana uri mudariki womurayiro, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. Zvino, kana iye asina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurayiro, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here? Neasina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murayiro, haangakutongi here iwe unodarika murayiro, iwe unomurayiro wakanyorwa, uyewo kudzingiswa? Nokuti uyo haazi muJudha, ari muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SNA2002

VaRoma 2:25-29 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kudzingiswa kunebasa kana uchichengeta mutemo asi kana uchityora mutemo kudzingiswa kunobva kwava kusadzingiswa. Naizvozvo kana munhu asina kudzingiswa akachengeta zvisungo zvomutemo kusadzingiswa kwake hakuzova kudzingiswa here? Saizvozvo avo vasina kudzingiswa panyama asi vachichengeta mutemo vachakupai mhosva imi mune bumbiro romutemo rakanyorwa uye kudzingiswa asi imi muchityora mutemo. MuJudha chaiye haasi muJudha wapamuromo, ndozvimwechetezvo nokudzingiswa kwechokwadi, hakusi kokuooneka kunze kana panyama. MuJudha chaiye muJudha ari muJudha mukati; saizvozvowo kudzingiswa kwechokwadi chinhu chomumwoyo chezvomweya kwete chokutevedza zvakanyorwa chete. Kurumbidzwa kwake kunobva kuna Mwari kwete kuvanhu.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SCLBD

VaRoma 2:25-29 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti kudziŋgiswa kunoɓatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri muɗariki womurairo, kudziŋgiswa kwako kwaʋa kusadziŋgiswa. Ɀino, kana iye usina‐kudziŋgiswa aciceŋgeta ɀireʋo ɀomurairo, ko kusadziŋgiswa kwake hakuŋganzi kudziŋgiswa here? Nousina‐kudziŋgiswa kubva pakuɀarwa kwake, kana aciceŋgeta murairo, haaŋgakutoŋgi here iwe unoɗarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, ʋuye ʋo kudziŋgiswa? Nokuti uyo haazi muJuda, uri muJuda pakuʋonekwa cete; nokudziŋgiswa hakuzi iko kunoʋonekwa, kuri panyama; asi muJuda ndiye uri muJuda necomukati; nokudziŋgiswa ndiko kwomŋoyo, mumŋeya, kusati kuri kweɀakanyorwa; iye haarumbidzwi naʋanhu, asi naMŋari.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SUB1949

VaRoma 2:25-29 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

VaRoma 2 SCLB