Varoma 2:25-29
Varoma 2:25-29 SCLBD
Kudzingiswa kunebasa kana uchichengeta mutemo asi kana uchityora mutemo kudzingiswa kunobva kwava kusadzingiswa. Naizvozvo kana munhu asina kudzingiswa akachengeta zvisungo zvomutemo kusadzingiswa kwake hakuzova kudzingiswa here? Saizvozvo avo vasina kudzingiswa panyama asi vachichengeta mutemo vachakupai mhosva imi mune bumbiro romutemo rakanyorwa uye kudzingiswa asi imi muchityora mutemo. MuJudha chaiye haasi muJudha wapamuromo, ndozvimwechetezvo nokudzingiswa kwechokwadi, hakusi kokuooneka kunze kana panyama. MuJudha chaiye muJudha ari muJudha mukati; saizvozvowo kudzingiswa kwechokwadi chinhu chomumwoyo chezvomweya kwete chokutevedza zvakanyorwa chete. Kurumbidzwa kwake kunobva kuna Mwari kwete kuvanhu.

