ƲaRoma 2:25-29
ƲaRoma 2:25-29 SUB1949
Nokuti kudziŋgiswa kunoɓatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri muɗariki womurairo, kudziŋgiswa kwako kwaʋa kusadziŋgiswa. Ɀino, kana iye usina‐kudziŋgiswa aciceŋgeta ɀireʋo ɀomurairo, ko kusadziŋgiswa kwake hakuŋganzi kudziŋgiswa here? Nousina‐kudziŋgiswa kubva pakuɀarwa kwake, kana aciceŋgeta murairo, haaŋgakutoŋgi here iwe unoɗarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, ʋuye ʋo kudziŋgiswa? Nokuti uyo haazi muJuda, uri muJuda pakuʋonekwa cete; nokudziŋgiswa hakuzi iko kunoʋonekwa, kuri panyama; asi muJuda ndiye uri muJuda necomukati; nokudziŋgiswa ndiko kwomŋoyo, mumŋeya, kusati kuri kweɀakanyorwa; iye haarumbidzwi naʋanhu, asi naMŋari.

