Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73:1-20

Mapisarema 73:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?” Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.

Mapisarema 73:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane mwoyo yakachena. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka. Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa. Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba. Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu. Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguo. Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamwoyo zvinofashamira; Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza. Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi. Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere. Zvino vanoti, “Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?” Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera pfuma yavo vachingogara vasingatamburi. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva; Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose. Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu. Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo; Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo. Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe. Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa. Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.

Mapisarema 73:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Chokwadi Mwari wakanaka akarurama kuna vakachena mumwoyo. Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa, makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza. Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza pandakaona kubudirira kwavakaipa. Nokuti havana chinovarwadza, miviri yavo yakasimba kuti gwindiri. Havana nhamo dzina vamwe, havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu. Nokudaro kuzvitutumadza ndicho chishongo chavo chomumutsipa. Kuita zvechisimba ndiyo hanzu yavo yavanopfeka. Maziso avo akatozvimba nokukora, mwoyo yavo inotutumira noupenzi. Vanonyomba nokutaura nounyengedzi, vanotyityidzira vanhu vachizvikudza vachiti vachavatonga zvakaipa. Vanotuka denga vachidzongodza nyika nezvinobva pamuromo pavo. Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza vachishaya chakaipa mavari. Vanototi Mwari angazvizive sei, iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii. Ndizvo zvakaita vakaipa izvi, vanogara vakagarikana, upfumi vachingoita matutu matutu. Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena, chandakazvichengetera maoko angu asina chaakabata chakaipa hapana. Nokuti ndinotambudzwa zuva rose uye ndinorangwa mangwanani oga oga. Dai kuri kuti ndaiti regai nditaure zvangu ndichidai. Ndingadai ndisina kuva pachokwadi kuzvizvarwa zvavana venyu. Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi, chakave chinhu chakaomarara kwazvo kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera, ndopandakazoziva magumo avo. Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina.

Mapisarema 73:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀirokwaɀo Mŋari unoitira Israeri ɀakanaka, Iʋo ʋanemŋoyo yakacena. Asi kana ndirini, tsoka dzaŋgu dzakaŋga dzotsauka; Makumbo aŋgu akaŋga otedzemuka. Nokuti ndakaŋga ndicigoɗora ʋanamanyawi, Pakuʋona kwaŋgu kufara kwaʋakaipa. Nokuti haʋatambudziki pakufa kwaʋo; Asi muʋiri waʋo unesimba. Haʋanenjodzi saʋamŋe ʋanhu; Haʋatambudzwi saʋamŋe ʋanhu. Saka kuɀikudza kwaʋo kwakafanana noruketani pamitsipa yaʋo; Kumanikidza kunoʋafukidza seŋguʋo. Meso aʋo anoɓuɗa nokukora; Ɀaʋanofuŋga pamŋoyo ɀinofashamira; Ʋanoseka, ʋacireʋa pakuipa kwaʋo ɀinomanikidza ʋamŋe; Ʋanotaura ʋaciɀikudza. Ʋakataurira kuɗeŋga nemiromo yaʋo, Ndimi dzaʋo dzinofamba‐famba pasi. Saka ʋanhu ʋake ʋanodzokera ikoko; Ʋanoȿinirwa mvura zhinji, mukombe uzere. Ɀino ʋanoti: Mŋari uŋgaziʋa seiko? Wokumsoro‐soro uŋgaʋa nokuziʋa here? Tarirai, ndiɀo ɀakaita ʋakaipa; Ʋanowedzera fuma yaʋo ʋaciŋgogara ʋasiŋgatamburi. Ɀirokwaɀo ndakanatsa mŋoyo waŋgu pasina, Nokushambidza maʋoko aŋgu ndisinemhoȿa; Nokuti ndakatambudzwa zuʋa rose, Ndakaraŋgwa maŋgwanani ose. Kana ndaiti: Ndicataura kuɗai; Tarirai, ndainyeŋgera rudzi rwaʋana ʋenyu. Ɀino ndakaramba ndicifuŋga kuti ndiɀinzwisise, Asi ɀakandiremera kwaɀo; Kuȿikira ndapinda panɀimbo tȿene yaMŋari, Ndikatarira kuguma kwaʋo. Ɀirokwaɀo munoʋaisa panotedza; Munoʋawisira pasi kuti ʋaparadzwe. Haiwa, ʋanoparadzwa kamŋe‐kamŋe! Ʋanopedzwa cose neɀinotyisa. Seɀakarotwa, kana munhu apepuka; Saiɀoɀo, Ishe, mucashoʋora mufananidzo waʋo, kana mucimuka.

Mapisarema 73:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)