Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73:1-20

Mapisarema 73:1-20 SUB1949

Ɀirokwaɀo Mŋari unoitira Israeri ɀakanaka, Iʋo ʋanemŋoyo yakacena. Asi kana ndirini, tsoka dzaŋgu dzakaŋga dzotsauka; Makumbo aŋgu akaŋga otedzemuka. Nokuti ndakaŋga ndicigoɗora ʋanamanyawi, Pakuʋona kwaŋgu kufara kwaʋakaipa. Nokuti haʋatambudziki pakufa kwaʋo; Asi muʋiri waʋo unesimba. Haʋanenjodzi saʋamŋe ʋanhu; Haʋatambudzwi saʋamŋe ʋanhu. Saka kuɀikudza kwaʋo kwakafanana noruketani pamitsipa yaʋo; Kumanikidza kunoʋafukidza seŋguʋo. Meso aʋo anoɓuɗa nokukora; Ɀaʋanofuŋga pamŋoyo ɀinofashamira; Ʋanoseka, ʋacireʋa pakuipa kwaʋo ɀinomanikidza ʋamŋe; Ʋanotaura ʋaciɀikudza. Ʋakataurira kuɗeŋga nemiromo yaʋo, Ndimi dzaʋo dzinofamba‐famba pasi. Saka ʋanhu ʋake ʋanodzokera ikoko; Ʋanoȿinirwa mvura zhinji, mukombe uzere. Ɀino ʋanoti: Mŋari uŋgaziʋa seiko? Wokumsoro‐soro uŋgaʋa nokuziʋa here? Tarirai, ndiɀo ɀakaita ʋakaipa; Ʋanowedzera fuma yaʋo ʋaciŋgogara ʋasiŋgatamburi. Ɀirokwaɀo ndakanatsa mŋoyo waŋgu pasina, Nokushambidza maʋoko aŋgu ndisinemhoȿa; Nokuti ndakatambudzwa zuʋa rose, Ndakaraŋgwa maŋgwanani ose. Kana ndaiti: Ndicataura kuɗai; Tarirai, ndainyeŋgera rudzi rwaʋana ʋenyu. Ɀino ndakaramba ndicifuŋga kuti ndiɀinzwisise, Asi ɀakandiremera kwaɀo; Kuȿikira ndapinda panɀimbo tȿene yaMŋari, Ndikatarira kuguma kwaʋo. Ɀirokwaɀo munoʋaisa panotedza; Munoʋawisira pasi kuti ʋaparadzwe. Haiwa, ʋanoparadzwa kamŋe‐kamŋe! Ʋanopedzwa cose neɀinotyisa. Seɀakarotwa, kana munhu apepuka; Saiɀoɀo, Ishe, mucashoʋora mufananidzo waʋo, kana mucimuka.