Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 73:1-20

Nziyo 73:1-20 SCLB

Chokwadi Mwari wakanaka akarurama kuna vakachena mumwoyo. Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa, makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza. Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza pandakaona kubudirira kwavakaipa. Nokuti havana chinovarwadza, miviri yavo yakasimba kuti gwindiri. Havana nhamo dzina vamwe, havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu. Nokudaro kuzvitutumadza ndicho chishongo chavo chomumutsipa. Kuita zvechisimba ndiyo hanzu yavo yavanopfeka. Maziso avo akatozvimba nokukora, mwoyo yavo inotutumira noupenzi. Vanonyomba nokutaura nounyengedzi, vanotyityidzira vanhu vachizvikudza vachiti vachavatonga zvakaipa. Vanotuka denga vachidzongodza nyika nezvinobva pamuromo pavo. Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza vachishaya chakaipa mavari. Vanototi Mwari angazvizive sei, iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii. Ndizvo zvakaita vakaipa izvi, vanogara vakagarikana, upfumi vachingoita matutu matutu. Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena, chandakazvichengetera maoko angu asina chaakabata chakaipa hapana. Nokuti ndinotambudzwa zuva rose uye ndinorangwa mangwanani oga oga. Dai kuri kuti ndaiti regai nditaure zvangu ndichidai. Ndingadai ndisina kuva pachokwadi kuzvizvarwa zvavana venyu. Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi, chakave chinhu chakaomarara kwazvo kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera, ndopandakazoziva magumo avo. Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina.

Verenga chikamu Nziyo 73