Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 69:1-5 - Compare All Versions

Mapisarema 69:1-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 69 BDSC

Mapisarema 69:1-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pokumira; Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi. Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu. Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora. Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 69 SNA2002

Mapisarema 69:1-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndinunureiwo Mwari nokuti mvura yandisvika mumutsipa. Ndavakunyura mumadhaka akadzika asina pokutsika. Ndapinda mumvura yakadzika. Mafashamo emvura avakutondifukidza. Ndaneta nokuchema; ndatooma pahuro. Mumaziso angu ndatoita rima nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda kupinda bvudzi romusoro wangu. Vangandiparadze vane simba; vanondirwisa namanyepo. Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba? Mwari, imi munoziva upenzi hwangu. Mhosva dzangu dzandakapara hadzina kuvandika kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 69 SCLBD

Mapisarema 69:1-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndiponesei, Mŋari, Nokuti mvura zhinji yaȿikira pamŋeya waŋgu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pokumira; Ndaȿika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi. Ndaneta nokucema kwaŋgu; huro dzaŋgu dzawoma; Meso aŋgu anoʋaʋa nokurindira Mŋari waŋgu. Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋazhinji kupfuʋura vudzi romusoro waŋgu; Aʋo ʋanoɗa kundiparadza ʋanesimba, kunyaŋge ʋacindiʋeŋga ndisinemhoȿa; Ndakafanira kudzosera ɀandineŋge ndisina‐kutora. Mŋari munoziʋa ʋupenzi bgaŋgu; Mhoȿa dzaŋgu hadzina‐kukuʋanzirwai.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 69 SUB1949

Mapisarema 69:1-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndinunureiwo Mwari nokuti mvura yandisvika mumutsipa. Ndavakunyura mumadhaka akadzika asina pokutsika. Ndapinda mumvura yakadzika. Mafashamo emvura avakutondifukidza. Ndaneta nokuchema; ndatooma pahuro. Mumaziso angu ndatoita rima nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda kupinda bvudzi romusoro wangu. Vangandiparadze vane simba; vanondirwisa namanyepo. Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba? Mwari, imi munoziva upenzi hwangu. Mhosva dzangu dzandakapara hadzina kuvandika kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 69 SCLB