Nziyo 69:1-5
Nziyo 69:1-5 SCLBD
Ndinunureiwo Mwari nokuti mvura yandisvika mumutsipa. Ndavakunyura mumadhaka akadzika asina pokutsika. Ndapinda mumvura yakadzika. Mafashamo emvura avakutondifukidza. Ndaneta nokuchema; ndatooma pahuro. Mumaziso angu ndatoita rima nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda kupinda bvudzi romusoro wangu. Vangandiparadze vane simba; vanondirwisa namanyepo. Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba? Mwari, imi munoziva upenzi hwangu. Mhosva dzangu dzandakapara hadzina kuvandika kwamuri.

