Mapisarema 69:1-5
Mapisarema 69:1-5 BDSC
Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

