Mapisarema 51:11-19
Mapisarema 51:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri. Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri. Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu. Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu. Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori. Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema. Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.
Mapisarema 51:11-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri. Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri. Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo. Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu. Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori. Itirai Zioni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu. Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.
Mapisarema 51:11-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri. Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera. Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu vanhu vanokanganisa, vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri. Ndinunureiwo Mwari kumhosva yokuparadza ropa, imi Mwari mununuri wangu rurimi rwangu ruchapururudzira kununura kwenyu. TENZI zarurai miromo yangu muromo wangu uparidze mbiri yenyu. Nokuti hachisi chibayiro chamunofarira imi, kunyange zvazvo ndaipira mupiro wokupisa hamaimbofadzwa nawo, chibayiro changu kunemi Mwari, mwoyo wakatyoka-tyoka mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka hamushore, Mwari. Itirai Zioni zvakanaka sokuda kwenyu; vakai zvakare masvingo eJerusaremu. Ipapo muchafadzwa nezvibayiro zvakarurama zvibayiro zvokupisa uye zvibayiro zvokupisa mutumbi wose. Ipapo handira dzichapirwa paatari yenyu.
Mapisarema 51:11-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mŋeya wenyu mutȿene kwandiri. Dzoserai ɀe kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomŋeya, unoɗa. Ipapo ndicadzidzisa ʋaɗariki nzira dzenyu; Ʋuye ʋatadzi ʋacatendeʋukira kwamuri. Ndirwirei pamhoȿa yeropa, Mŋari, imi Mŋari muponesi waŋgu; Ipapo rurimi rwaŋgu rucaimbira kururama kwenyu kwaɀo. Ishe, zarurai miromo yaŋgu; Ipapo muromo waŋgu ucaparidza kurumbidzwa kwenyu. Nokuti imi hamufariri ɀiɓayiro; ndiŋgaɗai ndaikupai iɀo; Hamufadzwi necipiriso cinopiswa. Ɀiɓayiro ɀaMŋari mŋeya wakaputsika; Mŋoyo wakaputsika nowakapxanyika, imi Mŋari hamuŋgaushoʋori. Itirai Zioni ɀakanaka nokuɗa kwenyu; Ʋakai maȿiŋgo eJerusarema. Ipapo mucafarira ɀiɓayiro ɀakarurama, necipiriso cinopiswa necipiriso cinopiswa cose; Ipapo ʋacaɓayira nzombe paartari yenyu.
Mapisarema 51:11-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)