Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 51:11-19

Mapisarema 51:11-19 SNA2002

Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri. Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri. Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo. Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu. Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori. Itirai Zioni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu. Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.