Mapisarema 51:11-19
Mapisarema 51:11-19 SUB1949
Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mŋeya wenyu mutȿene kwandiri. Dzoserai ɀe kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomŋeya, unoɗa. Ipapo ndicadzidzisa ʋaɗariki nzira dzenyu; Ʋuye ʋatadzi ʋacatendeʋukira kwamuri. Ndirwirei pamhoȿa yeropa, Mŋari, imi Mŋari muponesi waŋgu; Ipapo rurimi rwaŋgu rucaimbira kururama kwenyu kwaɀo. Ishe, zarurai miromo yaŋgu; Ipapo muromo waŋgu ucaparidza kurumbidzwa kwenyu. Nokuti imi hamufariri ɀiɓayiro; ndiŋgaɗai ndaikupai iɀo; Hamufadzwi necipiriso cinopiswa. Ɀiɓayiro ɀaMŋari mŋeya wakaputsika; Mŋoyo wakaputsika nowakapxanyika, imi Mŋari hamuŋgaushoʋori. Itirai Zioni ɀakanaka nokuɗa kwenyu; Ʋakai maȿiŋgo eJerusarema. Ipapo mucafarira ɀiɓayiro ɀakarurama, necipiriso cinopiswa necipiriso cinopiswa cose; Ipapo ʋacaɓayira nzombe paartari yenyu.

