Mapisarema 50:1-10
Mapisarema 50:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.” Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu. Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako, nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.
Mapisarema 50:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro. Mwari akapenya Ari paZioni, iro rakanaka-naka kwazvo. Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro. Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene. “Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu. Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose. Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako. Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
Mapisarema 50:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana.
Mapisarema 50:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, iye Mŋari, Jehova, ndiye wakataura, Akaɗana pasi pose kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro. Mŋari wakapenya Ari paZioni, iro rakanaka‐naka kwaɀo. Mŋari weɗu unoʋuya, haaŋgarambi anyerere; Mŋoto unoparadza pamberi pake, Ƌutu guru rinomukomberedza. Unoɗana ɗeŋga kumsoro, Napasi, kuti atoŋgere ʋanhu ʋake; Ʋuŋganidzirai ʋatȿene ʋaŋgu kwandiri; Iʋo ʋakaita suŋgano neni neɀiɓayiro. Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoɗudzira kururama kwake; Nokuti Mŋari ndiye mutoŋgi amene. Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndicataura; Imi Israeri, ndicakupupurirai: Ndini Mŋari, iye Mŋari wenyu. Handiŋgakutukiyi pamsoro peɀiɓayiro ɀenyu; Ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀiri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose. Handiŋgatori nzombe paimba yako, Kana nhoŋgo dzembudzi paɀirugu ɀako. Nokuti mhuka dzose, dziri kuɗondo, ndedzaŋgu, Neŋombe pamakomo anecuru camazana.
Mapisarema 50:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)