Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 50:1-10

Mapisarema 50:1-10 SUB1949

Mŋari, iye Mŋari, Jehova, ndiye wakataura, Akaɗana pasi pose kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro. Mŋari wakapenya Ari paZioni, iro rakanaka‐naka kwaɀo. Mŋari weɗu unoʋuya, haaŋgarambi anyerere; Mŋoto unoparadza pamberi pake, Ƌutu guru rinomukomberedza. Unoɗana ɗeŋga kumsoro, Napasi, kuti atoŋgere ʋanhu ʋake; Ʋuŋganidzirai ʋatȿene ʋaŋgu kwandiri; Iʋo ʋakaita suŋgano neni neɀiɓayiro. Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoɗudzira kururama kwake; Nokuti Mŋari ndiye mutoŋgi amene. Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndicataura; Imi Israeri, ndicakupupurirai: Ndini Mŋari, iye Mŋari wenyu. Handiŋgakutukiyi pamsoro peɀiɓayiro ɀenyu; Ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀiri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose. Handiŋgatori nzombe paimba yako, Kana nhoŋgo dzembudzi paɀirugu ɀako. Nokuti mhuka dzose, dziri kuɗondo, ndedzaŋgu, Neŋombe pamakomo anecuru camazana.