Nziyo 50:1-10
Nziyo 50:1-10 SCLBD
Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana.

