Mapisarema 37:1-4
Mapisarema 37:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Mapisarema 37:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Mapisarema 37:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako.
Mapisarema 37:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usaʋa neshuŋgu nokuɗa kwaʋanoita ɀakaipa, Usagoɗora ʋanoita ɀisina‐kururama. Nokuti ʋacakurumidza kudzurwa soʋuswa, Ʋacawoma somuriʋo mutema. Ʋimba naJehova, uite ɀakanaka; Gara panyika, ushiŋgairire kutendeka. Farikanya kwaɀo kunaJehova; Iye agokupa ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako.
Mapisarema 37:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako.